Ruka 1:26-80
Ruka 1:26-80 SNA2002
Nomwedzi wechitanhatu mutumwa Gabhurieri akatumwa naMwari kuguta reGariria, rinonzi Nazareta, kumhandara yakanga yakaroorwa nomurume, ainzi Josefa, weimba yaDhavhidhi; zita remhandara rainzi Maria. Mutumwa akapinda kwaari, akati, “Kwaziwa, iwe wakaropafadzwa, Ishe anewe!” Iye akavhunduswa kwazvo neshoko iro, akafunga kuti kukwazisa kwakadaro ndokweiko. Ipapo mutumwa akati kwaari, “Usatya Maria, nokuti wanzwirwa nyasha naMwari. Tarira, uchava napamuviri, uchazvara mwanakomana, ugomutumidza zita rinonzi Jesu. Iye achava mukuru, achanzi Mwanakomana woWokumusorosoro; Ishe Mwari achamupa chigaro choushe chababa vake Dhavhidhi. Achatonga imba yaJakobho nokusingaperi, noushe hwake hahungavi nomugumo.” Ipapo Maria akati kumutumwa, “Izvozvi zvingava seiko, zvandisingazivi murume?” Mutumwa akapindura, akati kwaari, “Mweya Mutsvene achauya pamusoro pako, nesimba roWokumusorosoro richakufukidza; saka icho chitsvene chichaberekwa chichanzi, Mwanakomana waMwari. Uye tarira, Erizabheti, hama yako, naiye wava napamuviri pomwanakomana pakuchembera kwake; mwedzi uno wava wechitanhatu kuna iye ainzi haabereki. “Nokuti hakuna shoko raMwari richashaiwa simba.” Ipapo Maria akati, “Tarirai, ndiri mushandiri waIshe; ndiitirwe hangu sezvamataura.” Mutumwa akabva kwaari. Namazuva iwayo Maria akasimuka, akakurumidza kuenda kunyika yamakomo, kuguta reJudhea; akapinda mumba maZekariya, akakwazisa Erizabheti. Zvino Erizabheti akati achinzwa kukwazisa kwaMaria, mwana akakwakuka mudumbu rake; ipapo Erizabheti akazadzwa noMweya Mutsvene, akadana nezwi guru, akati, “Wakaropafadzwa iwe pakati pavakadzi, nomwana wemimba yako akakomborerwazve! Zvaita seiko kwandiri, kuti ndamutswa namai vaIshe wangu? Nokuti, tarira, izwi rokukwazisa kwako rakati richisvika munzeve dzangu, mwana akakwakuka nomufaro mudumbu rangu. Wakaropafadzwa iwe nokuti wakatenda, kuti zvakataurwa naIshe kwauri zvichaitika.” Maria akati, “Mwoyo wangu unokudza Ishe, Mweya wangu wakafara naMwari, Muponesi wangu; Zvaakaona urombo hwomushandiri wake; Nokuti, tarira, kubva zvino marudzi ose achanditi, ndakaropafadzwa; Nokuti uyo anamasimba akandiitira zvinhu zvikuru; Zita rake idzvene. Ngoni dzake dziri kumarudzi namarudzi Avanhu vanomutya. Wakaratidza simba rake noruoko rwake; Akaparadza vaizvikudza mundangariro dzemwoyo yavo; Wakabvisa madzimambo pazvigaro zvavo zvoushe, Akasimudza vakaninipiswa; Vane nzara akavagutsa nezvakanaka, Akadzosera vapfumi vasina; Akabatsira Isiraeri, muranda wake, Kuti arangarire ngoni dzake, Sezvaakareva kumadzibaba edu, Kuna Abhurahamu nokurudzi rwake nokusingaperi.” Maria akagara naye mwedzi inenge mitatu, akadzokera kumusha kwake. Zvino nguva yaErizabheti yokusunguka kwake yakasvika; akabereka mwanakomana. Zvino vakavakidzana navo nehama dzavo vakati vanzwa kuti Ishe akanga amuitira ngoni huru, vakafara naye. Zvino nezuva rorusere vakauya kuzodzingisa mwana, vakada kumutumidza zita rababa vake, Zekariya. Ipapo mai vakapindura, vakati, “Kwete, achatumidzwa Johani.” Vakati kwaari, “Hakuna munhu kuhama dzenyu akatumidzwa zita iro.” Vakabvunza baba vake, vachidudzira namaoko, kuti anzi aniko? Vakakumbira chinyorero vakanyora kuti, “Johani, ndiro zita rake.” Vakashamiswa vose. Kamwe-kamwe muromo wake ukashamiswa, norurimi rwake rukasununguka, akataura, akarumbidza Mwari. Kutya kukawira vose vakanga vagere navo; namashoko iwayo ose akanzwika kunyika yose yamakomo eJudhea. Vose vakaanzwa, vakaachengeta mumwoyo mavo, vachiti, “Achazova mwana wakadiniko?” Nokuti ruoko rwaIshe rwakava naye. Baba vake, Zekariya, vakazadzwa noMweya Mutsvene, vakaporofita, vachiti, “Ishe, Mwari wavaIsiraeri, ngaakudzwe; Nokuti aakamutsa vanhu vake, nokuvadzikinura, Akatisimudzira runyanga rwokuponeswa Mumba momuranda wake, Dhavhidhi; Sezvaakataura nomuromo wavaporofita vake vatsvene, vakanga varipo kubva pakuvamba kwenyika, Kutiponesa pavavengi vedu, napamaoko avose vanotivenga; Kunzwira madzibaba edu ngoni, Nokurangarira sungano yake tsvene; Kupika kwaakapika nako kuna baba vedu Abhurahamu, Kutipa simba isu, tasunungurwa mumaoko avavengi vedu, Kuti timushumire tisingatyi, Nohutsvene nokururama pamberi pake mazuva edu ose. Iwe, Mwana, uchanzi muporofita woWokumusorosoro, Nokuti iwe uchatungamira pamberi paIshe, kumugadzirira nzira dzake; Kuzivisa vanhu vake nzira yokuponeswa nayo, Vachiregererwa zvivi zvavo, Nomwoyo munyoro waMwari wedu, Achatishanyira namambakwedza okudenga, Kuvhenekera vagere murima nomumumvuri worufu; Nokuraramisa tsoka dzedu munzira yorugare.” Mwana akakura, akasimba mumweya, akagara mumarenje, kusvikira zuva rokuratidzwa kwake kuvaIsiraeri.

