Mariro aJeremia 3:19-27
Mariro aJeremia 3:19-27 SUB1949
Raŋgarirai kutambudzika kwaŋgu nenhamo yaŋgu, iro gaʋakaʋa nenduru. Mŋeya waŋgu ucaŋgoɀiraŋgarira naɀino, wakakotama mukati maŋgu. Ndinoɀifuŋga iɀo, naiɀoɀo ndinetariro. Nokuɗa kwoʋunyoro bgaJehova tigere kupedzwa, nokuti tsitsi dzake hadziperi. Maŋgwanani ose ɀaʋa ɀitȿa; kutendeka kwenyu kukuru. Jehova ndiwo mugoʋe waŋgu — ndiɀo ɀinotaura mŋeya waŋgu; naiɀoɀo ndicaʋimba naye. Jehova unoitira ɀakanaka ʋanomumirira, naiwo mŋeya unomutȿaka. Ɀakanaka kuti munhu aʋimbe naJehova, amirire ruponeso rwaJehova anyerere, Ɀakanaka kuti munhu atakure joko rake aciri muɗuku.

