Ipapo ʋarume ʋakati kwaari: Isu ŋgatife panɀimbo yenyu, kana musiŋgaɓuɗisi pacena ɓasa reɗu iri; kana Jehova acitipa nyika iyi, ticakuitira ɀakanaka neɀokwaɗi. Ipapo akaʋaɓurusira pasi neɓote napawindi, nokuti imba yake yakaŋga iri pamsoro poruȿiŋgo rweguta, naiye wakaŋga agere pamsoro poruȿiŋgo. Akati kwaʋari: Tizirai henyu kumakomo, kuti ʋateʋeri ʋarege kusoŋgana nemi, muʋande’po mazuʋa matatu, kuȿikira ʋateʋeri ʋadzoka; pashure muŋgaenda henyu. Ɀino ʋarume ʋakati kwaari: Hatiŋgasuŋgwi nemhiko yako iyi yawakatipikisa. Tarira, ŋguʋa yatinopinda panyika ino, unofanira kusuŋgira ɓote iri dɀuku rakakoshwa pawindi pawakatiɓurusira pasi napo; unofanira ʋo kuʋuŋganidza mumba mako ɓaɓa ʋako, namai ʋako, nehanɀadzi dzako, naʋose ʋeimba yaɓaɓa ʋako. Ɀino aninani unoɓuɗa kunze kwemikoʋa yeimba vako, ropa rake ricaʋa pamsoro pomusoro wake, asi isu hatiŋgaʋi nemhoȿa; aninani unewe mumba mako, ropa rake ricaʋa pamsoro pemisoro yeɗu, kana akaitirwa ɀakaipa noruʋoko rwomunhu. Asi kana ukaɓuɗisa pacena ɓasa reɗu iri, isu hatiŋgasuŋgwi nemhiko yako yawakatipikisa. Iye akati: Ŋgaɀiitwe seɀamakataura; akaʋaendisa, ʋakabva, iye ndokusuŋgira ɓote dɀuku pawindi.
Verenga chikamu Joshua 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Joshua 2:14-21
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo