Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Joshua 17

17
Nhaka yaManase.
1Ndiwo mugoʋe worudzi rwaManase; nokuti iye wakaŋga ari mŋana weɗaŋgwe waJosefa. Kana ari Makiri, mŋana weɗaŋgwe waManase, ɓaɓa ʋaGireadi, iye wakapiwa Gireadi neBashani, nokuti wakaŋga ari murwi. 2Ʋamŋe ʋana ʋaManase ʋakapiwa mugoʋe nemhuri dzaʋo: Ʋana ʋaAbiezeri, naʋana ʋaHereki, naʋana ʋaAsrieri, naʋana ʋaShekemi, naʋana ʋaHeferi, naʋana ʋaShemida, ndiʋo ʋakaŋga ʋari ʋana ʋaʋakomana ʋaManase, mŋanakomana waJosefa, nemhuri dzaʋo. 3Asi Zerofeadi, mŋanakomana waHeferi, mŋanakomana waGireadi, mŋanakomana waMakiri, mŋanakomana waManase, wakaŋga asinaʋanakomana, asi ʋanasikana ɓedzi; mazita aʋanasikana ʋake akaŋga ari Mara, naNoa, naHogra, naMirka, naTirza. 4Iʋo ʋakasweɗera kumuprista Ereazari, nokunaJoshua, mŋanakomana waNuni, nokumacinda, ʋakati: Jehova wakaraira Mosesi kuti atipe nhaka pakati pehama dzeɗu; naiɀoɀo akaʋapa nhaka pakati paʋanuŋuna ʋaɓaɓa ʋaʋo, seɀakaŋga ɀarairwa naJehova. 5Manase akapiwa migoʋe inegumi, kunze kweGireadi neBashani mhiri kwaJoridani; 6nokuti ʋanasikana ʋaManase ʋakaŋga ʋanenhaka pakati paʋanakomana ʋake; nyika yeGireadi yakaŋga iri yaʋamŋe ʋanakomana ʋaManase. 7Muganho waManase wakabva kwaAsheri, ndokuȿika paMikmetati, pamberi peShekemi; ɀino muganho ndokuenda kuruʋoko rworudyi, kuȿikira kuʋanhu ʋakaŋga ʋagere Eni‐tapua. 8Nyika yeTapua yakaŋga iri yaManase; asi Tapua pamuganho waManase rakaŋga riri guta raʋana ʋaEfraimi. 9Ɀino muganho ndokuɓuruka kurukoʋa Kana, necezasi kworukoʋa; maguta iwayo akaŋga ari aEfraimi pakati pamaguta aManase; muganho waManase wakaŋga uri necokumsoro kworukoʋa, ndokuguma paguŋgwa. 10Kurutiʋi rwezasi nyika yakaŋga iri yaEfraimi; kurutiʋi rwokumsoro yakaŋga iri yaManase; guŋgwa waiʋa muganho wake; miganho ikaȿika kwaAsheri kumsoro, nokwaIsakari kumabvazuʋa. 11Pakati paIsakari naAsheri Manase wakaŋga aneBeti‐sheani nemisha yaro, neJibreami nemisha yaro, naʋanhu ʋakaŋga ʋagere Dori nemisha yaro, naʋanhu ʋakaŋga ʋagere Endori nemisha yaro, naʋakaŋga ʋagere Taanaki nemisha yaro, naʋakaŋga ʋagere Megido nemisha yaro, ari makomo matatu. 12Asi ʋana ʋaManase ʋakaŋga ʋasiŋgagoni kudziŋga ʋanhu ʋakaŋga ʋagere mumaguta iwayo; asi ʋaKanani ʋakaramba ʋaciɗa kugara panyika iyo. 13Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakati ʋaʋa nesimba, ʋakaita ʋaKanani ʋaɓati ʋecibaro, haʋana‐kuʋadziŋga cose.
14Ɀino ʋana ʋaJosefa ʋakataura naJoshua, ʋakati: Makatipireiko mugoʋe mumŋe cete necikamu cimŋe cete, kuti iʋe nhaka yeɗu, ɀatiri ʋanhu ʋazhinji, nokuti Jehova wakatiropafadza kuȿikira ɀino? 15Joshua akati kwaʋari: Kana muri ʋanhu ʋazhinji, endai henyu kuɗondo, mundoɀitemera nɀimbo ipapo panyika yaʋaPerezi neyaʋaRefaimi; ɀamusiŋgakwaniri panyika yamakomo yaEfraimi. 16Ʋana ʋaJosefa ʋakati: Nyika yamakomo haiŋgatikwaniri; ʋuye ʋaKanani ʋose ʋanogara munyika yomupata ʋaneŋgoro dzamatare, iʋo ʋose ʋari paBeti‐sheani nemisha yaro, naʋari mumupata weJezreeri. 17Ɀino Joshua akataura naʋeimba yaJosefa, iʋo ʋaEfraimi naʋaManase, akati: Imi muri ʋanhu ʋazhinji, munesimba guru, hamuŋgaʋi nomugoʋe mumŋe cete; 18asi nyika yamakomo icaʋa yenyu; nokuti kunyaŋge riri ɗondo, mucafanira kuritema, maɓuɗiro aro ose agoʋa enyu; nokuti munofanira kudziŋga ʋaKanani, kunyaŋge ʋaneŋgoro dzamatare, ʋuye kunyaŋge ʋanesimba.

Zvasarudzwa nguva ino

Joshua 17: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda