Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Joshua 16

16
Nhaka yaEfraimi.
1Mugoʋe waʋana ʋaJosefa wakataŋga paJoridani paJeriko, pamvura yeJeriko kumabvazuʋa kurenje, ucitaŋga paJeriko, ndokukwira napanyika yamakomo ucienda Beti‐eri; 2ndokubva Beti‐eri kuȿikira paRuzi, ndokupfuʋura napamuganho waʋaArkiti kuȿikira paAtaroti; 3ndokuɓurukira kumaʋirazuʋa kumuganho waʋaJafereti, kuȿikira kumuganho weBeti‐horoni rezasi, kuȿikira Gezeri, ndokuguma paguŋgwa. 4Ʋana ʋaJosefa, Manase naEfraimi, ʋakatora nhaka yaʋo. 5Muganho waʋana ʋaEfraimi nemhuri dzaʋo ndiwo: Muganho wenhaka yaʋo kumabvazuʋa wakaŋga uri Ataroti‐adari, kuȿikira paBeti‐horoni kumsoro; 6ɀino muganho ndokuenda kumaʋirazuʋa paMikmetati kumsoro; ɀino muganho ndokudzoka kumabvazuʋa kuȿikira paTanati‐shiro, ndokupfuʋura ipapo kurutiʋi rwamabvazuʋa eJanoa; 7ndokubva paJanoa, ndokuɓurukira Ataroti, neNaara, ndokuȿika paJeriko, ndokuguma paJoridani. 8Kubva paTapua muganho wakaenda kumaʋirazuʋa, kuȿikira parukoʋa Kana, ndokuguma paguŋgwa. Ndiyo nhaka yorudzi rwaʋana ʋaEfraimi nemhuri dzaʋo; 9pamŋe cete namaguta akaŋga akakamurirwa ʋana ʋaEfraimi pakati penhaka yaʋana ʋaManase, maguta ose nemisha yawo. 10Haʋana‐kudziŋga ʋaKanani ʋakaŋga ʋagere Gezeri; asi ʋaKanani ʋakagara pakati paʋaEfraimi kuȿikira nhasi; ʋakaʋa ʋaɓati ʋecibaro.

Zvasarudzwa nguva ino

Joshua 16: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda