Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johane 21:1-7

Johane 21:1-7 SUB1949

Shure kwaiɀoɀo Jesu wakaɀiratidza ɀe kuʋadzidzi ʋake paguŋgwa reTiberiasi; akaɀiratidza kuɗai: ƲanaSimoni Petro, naTomasi, wainzi Didimo, naNatanaeri, weKana yeGarirea, naʋanakomana ʋaZebedi, naʋamŋe ʋaʋiri ʋaʋadzidzi ʋake, ʋakaŋga ʋari pamŋe cete. Simoni Petro akati kwaʋari: Ndondoɓata hoʋe. Ʋakati kwaari: Nesu tinoenda ʋo newe. Ʋakaɓuɗa, ʋakapinda mugwa; asi ʋusiku ubgo haʋana‐kuɓata cinhu. Ɀino kwakati kwoedza, Jesu akamira pamhenderekedzo, asi ʋadzidzi ʋakaŋga ʋasiŋgaziʋi kuti ndiJesu. Ɀino Jesu akati kwaʋari: Ʋana, muneciseʋo here? Ʋakamupindura, ʋaciti: Kwete. Akati kwaʋari: Kandai rutaʋa kurutiʋi rworudyi rwegwa mugowana. Ipapo ʋakakanda, ʋakasagona ɀino kurukweʋa nokuwanda kwehoʋe. Ɀino mudzidzi uya, waiɗikanwa naJesu, akati kunaPetro: NdiShe. Ipapo Simoni Petro wakati acinzwa kuti ndiShe, akasuŋga ŋguʋo yake, nokuti wakaŋga asina, akaɀiwisira muguŋgwa.

Verenga chikamu Johane 21