Johani 21:1-7
Johani 21:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Shure kwaizvozvo Jesu akazviratidzazve kuvadzidzi vake, paGungwa reTibheriasi. Vakanga vakaungana ipapo vaiva vanaSimoni Petro, Tomasi (ainzi Dhidhimo), Natanieri aibva kuKana yeGarirea, vanakomana vaZebhedhi, pamwe chete navamwe vadzidzi vaviri. Petro akati kwavari, “Ndava kuenda kundoredza,” uye ivo vakati, “Nesuwo tichaenda newe.” Vakabuda vakapinda mugwa, asi usiku ihwohwo havana chavakabata. Mangwanani-ngwanani, Jesu akamira pamahombekombe, asi vadzidzi havana kuziva kuti akanga ari Jesu. Akadanidzira kwavari akati, “Vana mune hove here?” Vakapindura vakati, “Kwete.” Akati kwavari, “Kandai mambure enyu kurutivi rworudyi rwegwa mugobata.” Vakati vaita izvozvo, vakasagona kukweva mambure nokuda kwokuwanda kwehove. Ipapo mudzidzi aidikanwa naJesu akati kuna Petro, “NdiShe!” Simoni Petro paakangonzwa kuti, “NdiShe,” akazvimonera nguo yake yokunze (nokuti akanga aibvisa) akabva asvetukira mumvura.
Johani 21:1-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Shure kwaizvozvo Jesu akazviratidzazve kuvadzidzi vake pagungwa reTibheriasi; akazviratidza kudai: VanaSimoni Petirosi, naTomasi, ainzi Dhidhimo, naNataneri, weKana yeGariria, navanakomana vaZebhedhi, navamwe vaviri vadzidzi vake, vakanga vari pamwechete. Simoni Petirosi akati kwavari, “Ndonobata hove.” Vakati kwaari, “Nesu tinoendawo newe.” Vakabuda, vakapinda muigwa; asi usiku uhwo havana kubata chinhu. Zvino kwakati kwaedza, Jesu akamira pamhenderekedzo, asi vadzidzi vakanga vasingazivi kuti ndiJesu. Zvino Jesu akati kwavari, “Vana, mune hove here?” Vakamupindura, vachiti, “Kwete.” Akati kwavari, “Kandai usvasvi kurutivi rworudyi rwegwa mugowana.” Ipapo vakakanda, vakasagona zvino kuhukweva nokuwanda kwehove. Zvino mudzidzi uya, aidikanwa naJesu, akati kuna Petirosi, “NdiIshe.” Ipapo Simoni Petirosi akati achinzwa kuti ndiIshe, akasunga nguo yake, nokuti akanga asina, akazviwisira mugungwa.
Johani 21:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Shure kwaizvozvi Jesu akazviratidzazve kuvadzidzi vake kuGungwa reTibheriasi. Akazviratidza sezvizvi. Simoni Pita naTomasi anonzi Mapatya naNatanieri wokuKana yokuGarirea navana vaZebhedia navamwe vadzidzi vake vaviri vakanga vari pamwechete. Simoni Pita akati kwavari, “Ndavakuenda kundobata hove.” Ivowo vakati kwaari, “Handei pamwechete.” Vakabuda vakapinda mugwa asi usiku ihwohwo hapana chavakabata. Mambakwedza Jesu akamira pamahombekombe asi vadzidzi havana kuziva kuti ndiJesu. Jesu akati kwavari, “Nhai varume, pane chamabata chokusevesa here?” Vakamupindura vachiti, “Kwete.” Akati kwavari, “Kandai usvasvi hwenyu kurudyi rweigwa munodzibata.” Saizvozvo vakahukanda vakabva vavakutadza kuhukakata nokuwanda kwehove. Mudzidzi uya waJesu wapamwoyo akati kuna Pita, “NdiTenzi wani avo.” Simoni Pita paakazvinzwa kuti ndiTenzi, akapfeka hanzu yake yapamusoro ndokungozvimoneredza nokuti akanga asina chaakapfeka ndokusvetukira mugungwa.
Johani 21:1-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Shure kwaiɀoɀo Jesu wakaɀiratidza ɀe kuʋadzidzi ʋake paguŋgwa reTiberiasi; akaɀiratidza kuɗai: ƲanaSimoni Petro, naTomasi, wainzi Didimo, naNatanaeri, weKana yeGarirea, naʋanakomana ʋaZebedi, naʋamŋe ʋaʋiri ʋaʋadzidzi ʋake, ʋakaŋga ʋari pamŋe cete. Simoni Petro akati kwaʋari: Ndondoɓata hoʋe. Ʋakati kwaari: Nesu tinoenda ʋo newe. Ʋakaɓuɗa, ʋakapinda mugwa; asi ʋusiku ubgo haʋana‐kuɓata cinhu. Ɀino kwakati kwoedza, Jesu akamira pamhenderekedzo, asi ʋadzidzi ʋakaŋga ʋasiŋgaziʋi kuti ndiJesu. Ɀino Jesu akati kwaʋari: Ʋana, muneciseʋo here? Ʋakamupindura, ʋaciti: Kwete. Akati kwaʋari: Kandai rutaʋa kurutiʋi rworudyi rwegwa mugowana. Ipapo ʋakakanda, ʋakasagona ɀino kurukweʋa nokuwanda kwehoʋe. Ɀino mudzidzi uya, waiɗikanwa naJesu, akati kunaPetro: NdiShe. Ipapo Simoni Petro wakati acinzwa kuti ndiShe, akasuŋga ŋguʋo yake, nokuti wakaŋga asina, akaɀiwisira muguŋgwa.
Johani 21:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)