Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesi 45:3-7

Genesi 45:3-7 SUB1949

Ipapo Josefa akati kuʋana ʋaɓaɓa ʋake: Ndini Josefa! Ƃaɓa ʋaŋgu ʋaciri ʋapenyu here — Ʋana ʋaɓaɓa ʋake ʋakasagona kumupindura, nokuti ʋakaŋga ʋacitya pamberi pake. Josefa akati kuʋana ʋaɓaɓa ʋake: Ƌosweɗerai henyu kwandiri. Ɀino ʋakasweɗera. Iye akati: Ndini Josefa, mŋana waɓaɓa ʋenyu wamakateŋgesa ndikaiswa Egipita. Ɀino musaɀidya mŋoyo, kana kuɀitsamŋira, ɀamakanditeŋgesera kuno; nokuti Mŋari wakandituma pamberi penyu, kuti ndiceŋgete ʋupenyu. Nokuti ɀino aʋa makore maʋiri enzara panyika ino; mamŋe makore mashanu aci’ko, aʋasiŋgazorimi nokukohwa nawo. Mŋari wakandituma pamberi penyu kuti ndikuceŋgetei, muʋe naʋamŋe ʋacasara panyika, ndikuraramisei kuti musunuŋgurwe nokusunuŋgurwa kukuru.

Verenga chikamu Genesi 45