Ipapo Danieri akaʋuyiswa pamberi pamambo. Mambo akataura, akati kunaDanieri: Ndiwe uya Danieri, waʋana ʋaJuda ʋakatapxa, wakandotapxa kuʋaJuda naɓaɓa ʋaŋgu here? Ndakanzwa ɀako, kuti mŋeya waʋamŋari uri mukati mako, ʋuye kuti ciedza neziʋo nenjere kwadzo ɀinowanikwa mauri. Ɀino ʋakacenjera, idzo ŋaŋga, ʋakaʋuyiswa pamberi paŋgu, kuti ʋaraʋe ɀakanyorwa iɀi, ʋandiziʋise kuɗudzirwa kwaɀo; asi ʋakakoniwa kundiziʋisa kuɗudzirwa kwecinhu ici. Asi ndakanzwa ɀako, kuti unogona kuɗudzira, nokusunuŋgura fundo; ɀino kana ukagona kuraʋa ɀakanyorwa, nokundiziʋisa kuɗudzirwa kwaɀo, ucafukidzwa ŋguʋo tȿuku, nokushoŋgedzwa ʋuketani bgendarama pamutsipa wako, ʋuye ucaʋa muɓati wecitatu paʋushe bgaŋgu. Ipapo Danieri akapindura, akati pamberi pamambo: Garai henyu neɀipo ɀenyu, ipai henyu mumŋe miɓairo yenyu; kunyaŋge ɀakaɗaro ndicaraʋira mambo ɀakanyorwa, nokumuziʋisa kuɗudzirwa kwaɀo. Imi mambo, Mŋari Wokumsoro‐soro wakapa ɓaɓa ʋenyu Nebukadnezari ʋushe noʋukuru, nembiri noʋumambo; ɀino nokuɗa kwoʋukuru, bgaakamupa, ʋanhu ʋose namarudzi ose namarimi ose ʋakaɗeɗera nokutya pamberi pake; waiʋuraya waaiɗa kuʋuraya, wairaramisa waaiɗa kuraramisa, waikwiridza waaiɗa kukwiridza, nokuɗeredza waaiɗa kuɗeredza. Asi mŋoyo wake wakati uciɀikudza, nomŋeya wake uciɀiwomesa, kuȿikira aciita manyawi, wakabviswa pacigaro cake coʋushe, ʋakamutorera kubginya kwake; akadziŋgwa pakati paʋanakomana ʋaʋanhu, mŋoyo wake ukaitwa sowemhuka, akandogara nembizi, akadyiswa ʋuswa senzombe, muʋiri wake ukanyoroʋeswa neɗoʋa rokuɗeŋga, kuȿikira aziʋa kuti Mŋari Wokumsoro‐soro unoɓata ʋushe pakati paʋanhu, aciʋupa waanoɗa. Asi imi Bershazari mŋanakomana wake, hamuna‐kuɀininipisa nomŋoyo wenyu, kunyaŋge makaŋga muciɀiziʋa ɀose