Maɓasa Aʋaapostora 8:14-18
Maɓasa Aʋaapostora 8:14-18 SUB1949
Ɀino ʋaapostora ʋaiʋa paJerusarema, ʋakati ʋanzwa kuti ʋaSamaria ʋakaŋga ʋagamucira shoko raMŋari, ʋakatuma Petro naJohane kwaʋari. Iʋo ʋakaɓurukira’ko, ʋakaʋanyeŋgeterera kuti ʋapiwe Mŋeya Mutȿene; nokuti wakaŋga asina‐kuɓurukira pamsoro pomumŋe waʋo; ʋakaŋga ʋaŋgobapatidzwa muzita raShe Jesu ɓedzi. Ipapo ʋakaisa maʋoko aʋo pamsoro paʋo, ʋakapiwa Mŋeya Mutȿene. Ɀino Simoni wakati aciʋona kuti Mŋeya Mutȿene wapiwa nokuiswa kwamaʋoko aʋaapostora, akaʋuya kwaʋari nemari

