I Makoronike 16
16
1Ʋakapinza areka yaMŋari, ʋakaiisa pakati petente rayakaŋga yadzikirwa naDavidi; ʋakaɓayira pamberi paMŋari ɀipiriso ɀinopiswa neɀipiriso ɀokuyananisa. 2Ɀino Davidi wakati apedza kuɓayira ɀipiriso ɀinopiswa neɀipiriso ɀokuyananisa, akaropafadza ʋanhu nezita raJehova. 3Akapa mumŋe nomumŋe waʋaIsraeri, murume nomukadzi, mumŋe nomumŋe ɓundu reciŋgwa, nenhindi yenyama, neɓundu ramazambiriŋga.
4Akagadza ʋamŋe ʋaRevi, kuti ʋashumire pamberi peareka yaJehova, nokurumbidza, nokuʋoŋga, nokukudza Jehova Mŋari waIsraeri; 5mukuru waiʋa Asafi, teʋere Zekaria, naJeieri, naShemiramoti, naJehieri, naMatitiya, naEriabi, naBenaya, naObedi‐edomi, naJeieri, ʋanemiteŋgeraŋwa nembira; Asafi wairidza kwaɀo makandira. 6Benaya naJahazieri ndiʋo ʋairidza hwamanda ŋguʋa dzose pamberi peareka yesuŋgano yaMŋari.
Rwiyo rwaDavidi.
7Ɀino nezuʋa iro Davidi wakataŋga kuraira kuti ʋaʋoŋge Jehova nomuromo waAsafi nehama dzake:
8Ʋoŋgai Jehova, muɗane zita rake;
Ziʋisai ɀaakaita pakati pendudzi dzaʋanhu.
9Muimbirei, mumuimbire nziyo dzokukudza;
Rondedzerai maɓasa ake ose anoshamisa.
10Ɀirumbidzei muzita rake dɀene;
Mŋoyo yaʋanotȿaka Jehova ŋgaifare kwaɀo.
11Tȿakai Jehova nesimba rake;
Tȿakai ciso cake ŋguʋa dzose.
12Raŋgarirai maɓasa ake anoshamisa,
aakaita;
Ɀishamiso ɀake, neɀaakatoŋga nomuromo wake.
13Imi ʋana ʋaIsraeri, muranda wake,
Imi ʋana ʋaJakobo ʋasanaŋgurwa ʋake.
14Ndiye Jehova Mŋari weɗu:
Ɀaakatoŋga ɀiri pasi pose.
15Raŋgarirai suŋgano yake nokusiŋgaperi,
Iro shoko raakaraira kumarudzi anecuru;
16 Iyo suŋgano yaakaita naAbrahama,
Nemhiko yake kunaIsaka;
17Akaɀisimbisira Jakobo, kuti uʋe mutemo,
KunaIsraeri kuti iʋe suŋgano isiŋgaperi;
18Aciti: Ndicakupa iwe nyika yeKanani,
Uʋe mugoʋe wenhaka yenyu;
19Paŋguʋa imi muciri ʋarume ʋashoma pakuʋereŋgwa,
Ɀirokwaɀo ʋashoma kwaɀo, naʋatorwa mairi.
20Ʋakafamba‐famba ʋacibva kunorumŋe rudzi ʋacienda kunorumŋe,
Nokubva kunoʋumŋe ʋushe ʋacienda kunaʋamŋe ʋanhu.
21Haana‐kutendera munhu kuʋaitira ɀakaipa;
Ɀirokwaɀo wakatuka madzimambo nokuɗa kwaʋo;
22Aciti: Musagunɀa ʋazodzwa ʋaŋgu,
Naʋaprofita ʋaŋgu musaʋaitira cakaipa.
23Imbirai Jehova, pasi pose;
Paridzirai kuponesa kwake zuʋa rimŋe nerimŋe,
24Ƌudzirai kubginya kwake pakati paʋahedeni,
Namaɓasa ake anoshamisa pakati pendudzi dzose.
25Nokuti Jehova mukuru, unofanira kurumbidzwa kwaɀo;
Iye unofanira kutyiwa kupfuʋura ʋamŋari ʋose.
26Nokuti ʋamŋari ʋose ʋendudzi ɀifananidzo haɀo;
Asi Jehova ndiye wakaita kuɗeŋga‐ɗeŋga.
27Kukudzwa noʋumambo ɀiri pamberi pake;
Simba nomufaro ɀiri panɀimbo yake;
28Ipai Jehova, imi ndudzi dzaʋanhu,
Ipai Jehova kukudzwa nesimba.
29Ipai Jehova kukudzwa kunofanira zita rake;
Ʋuyai necipiriso, ʋuyai pamberi pake;
Namatai kunaJehova muneŋguʋo tȿene.
30Ƌeɗera pamberi pake, nyika yose;
Nyika ʋo yakasimbiswa kuti irege kuzunuŋguswa.
31Kuɗeŋga‐ɗeŋga ŋgakufare, napasi ŋgapafarisise;
Pakati pendudzi ŋgaʋati: Jehova unoɓata ʋushe.
32Guŋgwa ŋgaritinhire, nokuzara kwaro;
Saŋgo ŋgarifarisise kwaɀo, neɀose ɀiri mariri;
33Ŋguʋa iyo miti yeɗondo icaimba nomufaro pamberi paJehova;
Nokuti unoʋuya kuzotoŋga pasi.
34Ʋoŋgai Jehova; nokuti wakanaka;
Nokuti nyasha dzake dzinogara nokusiŋgaperi.
35Muti: Tiponesei, Mŋari woruponeso rweɗu,
Mutiʋuŋganidze pamŋe cete, mutirwire pandudzi,
Kuti tiʋoŋge zita renyu dɀene,
Tifarisise pakukurumbidzai.
36Jehova Mŋari waIsraeri ŋgaakudzwe,
Kubva pakusiŋgaperi kuȿikira pakusiŋgaperi.
Ʋanhu ʋose ʋakati: Ameni, ʋakarumbidza Jehova.
Tabernakeri inoceŋgetwa paGibeoni.
37Ɀino akasiya’po pamberi peareka yesuŋgano yaJehova Asafi nehama dzake, kuti ʋashumire pamberi peareka ŋguʋa dzose, seɀakafanira zuʋa rimŋe nerimŋe; 38naObedi‐edomi nehama dzaʋo, makumi matanhatu naʋasere; naObedi‐edomi ʋo mŋanakomana waJedutuni, naHosa, kuti ʋaʋe ʋatariri ʋemikoʋa; 39nomuprista Zadoki, nehama dzake ʋaprista, pamberi petabernakeri yaJehova paɗunhu rakakwirira rakaŋga riri paGibeoni; 40kuti ʋaɓayire Jehova ɀipiriso ɀinopiswa, ŋguʋa dzose, maŋgwanani namaɗeko, paartari yeɀipiriso ɀinopiswa, seɀakanyorwa ɀose mumurairo waJehova, waakaraira Israeri; 41ʋuye pamŋe cete naʋo Hemani naJedutuni naʋamŋe ʋakatsaurwa, ʋakaŋga ʋarebga mazita aʋo, kuti ʋaʋoŋge Jehova; nokuti nyasha dzake dzinogara nokusiŋgaperi; 42ʋuye pamŋe cete naʋo Hemani naJedutuni ʋanehwamanda namakandira, ɀaifanira kuridzwa naʋaridzi, ʋuye ɀokuridzira nziyo dzaMŋari; ʋuye ʋanakomana ʋaJedutuni kuti ʋatarire suʋo. 43Ʋanhu ʋose ʋakaenda mumŋe nomumŋe kumba kwake; Davidi akadzoka kuzoropafadza imba yake.
Zvasarudzwa nguva ino
I Makoronike 16: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018