Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

I Makoronike 16:7-36

I Makoronike 16:7-36 SUB1949

Ɀino nezuʋa iro Davidi wakataŋga kuraira kuti ʋaʋoŋge Jehova nomuromo waAsafi nehama dzake: Ʋoŋgai Jehova, muɗane zita rake; Ziʋisai ɀaakaita pakati pendudzi dzaʋanhu. Muimbirei, mumuimbire nziyo dzokukudza; Rondedzerai maɓasa ake ose anoshamisa. Ɀirumbidzei muzita rake dɀene; Mŋoyo yaʋanotȿaka Jehova ŋgaifare kwaɀo. Tȿakai Jehova nesimba rake; Tȿakai ciso cake ŋguʋa dzose. Raŋgarirai maɓasa ake anoshamisa, aakaita; Ɀishamiso ɀake, neɀaakatoŋga nomuromo wake. Imi ʋana ʋaIsraeri, muranda wake, Imi ʋana ʋaJakobo ʋasanaŋgurwa ʋake. Ndiye Jehova Mŋari weɗu: Ɀaakatoŋga ɀiri pasi pose. Raŋgarirai suŋgano yake nokusiŋgaperi, Iro shoko raakaraira kumarudzi anecuru; Iyo suŋgano yaakaita naAbrahama, Nemhiko yake kunaIsaka; Akaɀisimbisira Jakobo, kuti uʋe mutemo, KunaIsraeri kuti iʋe suŋgano isiŋgaperi; Aciti: Ndicakupa iwe nyika yeKanani, Uʋe mugoʋe wenhaka yenyu; Paŋguʋa imi muciri ʋarume ʋashoma pakuʋereŋgwa, Ɀirokwaɀo ʋashoma kwaɀo, naʋatorwa mairi. Ʋakafamba‐famba ʋacibva kunorumŋe rudzi ʋacienda kunorumŋe, Nokubva kunoʋumŋe ʋushe ʋacienda kunaʋamŋe ʋanhu. Haana‐kutendera munhu kuʋaitira ɀakaipa; Ɀirokwaɀo wakatuka madzimambo nokuɗa kwaʋo; Aciti: Musagunɀa ʋazodzwa ʋaŋgu, Naʋaprofita ʋaŋgu musaʋaitira cakaipa. Imbirai Jehova, pasi pose; Paridzirai kuponesa kwake zuʋa rimŋe nerimŋe, Ƌudzirai kubginya kwake pakati paʋahedeni, Namaɓasa ake anoshamisa pakati pendudzi dzose. Nokuti Jehova mukuru, unofanira kurumbidzwa kwaɀo; Iye unofanira kutyiwa kupfuʋura ʋamŋari ʋose. Nokuti ʋamŋari ʋose ʋendudzi ɀifananidzo haɀo; Asi Jehova ndiye wakaita kuɗeŋga‐ɗeŋga. Kukudzwa noʋumambo ɀiri pamberi pake; Simba nomufaro ɀiri panɀimbo yake; Ipai Jehova, imi ndudzi dzaʋanhu, Ipai Jehova kukudzwa nesimba. Ipai Jehova kukudzwa kunofanira zita rake; Ʋuyai necipiriso, ʋuyai pamberi pake; Namatai kunaJehova muneŋguʋo tȿene. Ƌeɗera pamberi pake, nyika yose; Nyika ʋo yakasimbiswa kuti irege kuzunuŋguswa. Kuɗeŋga‐ɗeŋga ŋgakufare, napasi ŋgapafarisise; Pakati pendudzi ŋgaʋati: Jehova unoɓata ʋushe. Guŋgwa ŋgaritinhire, nokuzara kwaro; Saŋgo ŋgarifarisise kwaɀo, neɀose ɀiri mariri; Ŋguʋa iyo miti yeɗondo icaimba nomufaro pamberi paJehova; Nokuti unoʋuya kuzotoŋga pasi. Ʋoŋgai Jehova; nokuti wakanaka; Nokuti nyasha dzake dzinogara nokusiŋgaperi. Muti: Tiponesei, Mŋari woruponeso rweɗu, Mutiʋuŋganidze pamŋe cete, mutirwire pandudzi, Kuti tiʋoŋge zita renyu dɀene, Tifarisise pakukurumbidzai. Jehova Mŋari waIsraeri ŋgaakudzwe, Kubva pakusiŋgaperi kuȿikira pakusiŋgaperi. Ʋanhu ʋose ʋakati: Ameni, ʋakarumbidza Jehova.