Ɀino nezuʋa iro Davidi wakataŋga kuraira kuti ʋaʋoŋge Jehova nomuromo waAsafi nehama dzake:
Ʋoŋgai Jehova, muɗane zita rake;
Ziʋisai ɀaakaita pakati pendudzi dzaʋanhu.
Muimbirei, mumuimbire nziyo dzokukudza;
Rondedzerai maɓasa ake ose anoshamisa.
Ɀirumbidzei muzita rake dɀene;
Mŋoyo yaʋanotȿaka Jehova ŋgaifare kwaɀo.
Tȿakai Jehova nesimba rake;
Tȿakai ciso cake ŋguʋa dzose.
Raŋgarirai maɓasa ake anoshamisa,
aakaita;
Ɀishamiso ɀake, neɀaakatoŋga nomuromo wake.
Imi ʋana ʋaIsraeri, muranda wake,
Imi ʋana ʋaJakobo ʋasanaŋgurwa ʋake.
Ndiye Jehova Mŋari weɗu:
Ɀaakatoŋga ɀiri pasi pose.
Raŋgarirai suŋgano yake nokusiŋgaperi,
Iro shoko raakaraira kumarudzi anecuru;
Iyo suŋgano yaakaita naAbrahama,
Nemhiko yake kunaIsaka;
Akaɀisimbisira Jakobo, kuti uʋe mutemo,
KunaIsraeri kuti iʋe suŋgano isiŋgaperi;
Aciti: Ndicakupa iwe nyika yeKanani,
Uʋe mugoʋe wenhaka yenyu;
Paŋguʋa imi muciri ʋarume ʋashoma pakuʋereŋgwa,
Ɀirokwaɀo ʋashoma kwaɀo, naʋatorwa mairi.
Ʋakafamba‐famba ʋacibva kunorumŋe rudzi ʋacienda kunorumŋe,
Nokubva kunoʋumŋe ʋushe ʋacienda kunaʋamŋe ʋanhu.
Haana‐kutendera munhu kuʋaitira ɀakaipa;
Ɀirokwaɀo wakatuka madzimambo nokuɗa kwaʋo;
Aciti: Musagunɀa ʋazodzwa ʋaŋgu,
Naʋaprofita ʋaŋgu musaʋaitira cakaipa.
Imbirai Jehova, pasi pose;
Paridzirai kuponesa kwake zuʋa rimŋe nerimŋe,
Ƌudzirai kubginya kwake pakati paʋahedeni,
Namaɓasa ake anoshamisa pakati pendudzi dzose.
Nokuti Jehova mukuru, unofanira kurumbidzwa kwaɀo;
Iye unofanira kutyiwa kupfuʋura ʋamŋari ʋose.
Nokuti ʋamŋari ʋose ʋendudzi ɀifananidzo haɀo;
Asi Jehova ndiye wakaita kuɗeŋga‐ɗeŋga.
Kukudzwa noʋumambo ɀiri pamberi pake;
Simba nomufaro ɀiri panɀimbo yake;
Ipai Jehova, imi ndudzi dzaʋanhu,
Ipai Jehova kukudzwa nesimba.
Ipai Jehova kukudzwa kunofanira zita rake;
Ʋuyai necipiriso, ʋuyai pamberi pake;
Namatai kunaJehova muneŋguʋo tȿene.
Ƌeɗera pamberi pake, nyika yose;
Nyika ʋo yakasimbiswa kuti irege kuzunuŋguswa.
Kuɗeŋga‐ɗeŋga ŋgakufare, napasi ŋgapafarisise;
Pakati pendudzi ŋgaʋati: Jehova unoɓata ʋushe.
Guŋgwa ŋgaritinhire, nokuzara kwaro;
Saŋgo ŋgarifarisise kwaɀo, neɀose ɀiri mariri;
Ŋguʋa iyo miti yeɗondo icaimba nomufaro pamberi paJehova;
Nokuti unoʋuya kuzotoŋga pasi.
Ʋoŋgai Jehova; nokuti wakanaka;
Nokuti nyasha dzake dzinogara nokusiŋgaperi.
Muti: Tiponesei, Mŋari woruponeso rweɗu,
Mutiʋuŋganidze pamŋe cete, mutirwire pandudzi,
Kuti tiʋoŋge zita renyu dɀene,
Tifarisise pakukurumbidzai.
Jehova Mŋari waIsraeri ŋgaakudzwe,
Kubva pakusiŋgaperi kuȿikira pakusiŋgaperi.
Ʋanhu ʋose ʋakati: Ameni, ʋakarumbidza Jehova.