1
Mako 16:15
Shona BIBLE
SUB
Akati kwavari, “Endai munyika yose, muparidzire zvisikwa zvose Vhangeri.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Mako 16:17-18
Zviratidzo izvi zvichava navanotenda, vachabudisa mweya yakaipa nezita rangu, vachataura nendimi itsva; vachabata nyoka; kunyangwe vakanwa chinhu chinouraya, hachingavarwadzi; vachaisa maoko pamusoro pavarwere, vakapora.”
3
Mako 16:16
Anotenda, akabhabhatidzwa, achaponeswa; asi asingatendi achatongwa.
4
Mako 16:20
Ivo vakaenda, vakaparidza kwose–kwose, Ishe achibatsirana navo, achisimbisa shoko nezviratidzo zvaiteverana navo.]
5
Mako 16:6
Rikati kwavari, “Musavhunduka, munotsvaka Jesu weNazareta, akanga aroverwa pamuchinjikwa; amuka, haapo pano; tarirai pavakanga vamuisa.
6
Mako 16:4-5
Zvino vakati vachitarira, vakaona kuti ibwe rakanga ratokunguruswa, nokuti raiva guru–guru. Vakapinda muhwiro, vakaona jaya, rakanga rigere kurudyi, rakapfeka nguo chena yakarehwa, vakavhunduka.