Sapamazuva aNowa, ndizvo zvichaita kuuya kwoMwanakomana womunhu. Nokuti sapamazuva iwayo, mvura zhinji isati yasvika, vaidya nokunwa, nokuwana, nokuwaniswa, kusvikira zuva Nowa raakapinda naro muareka, vasingazivi zvichavawira kusvikira mvura zhinji yauya, ikavaparadza vose; ndizvo zvichaita kuuya kwoMwanakomana womunhu.