1
Jona 1:3
Shona BIBLE
SUB
Asi Jona akasimuka achida kutizira Tashishi abve pamberi paJehovha; akaburukira Jopa, akawana chikepe chakanga choenda Tashishi, akabudisa mari yacho yokufamba, ndokupinda mukati macho, kuti aende navo Tashishi abve pamberi paJehovha.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Jona 1:17
Jehovha akatuma hove huru kundomedza Jona, Jona akava mudumbu rehove mazuva matatu nousiku hutatu.
3
Jona 1:12
Iye akati kwavari, “Ndisimudzei, mundikandire mugungwa, ipapo gungwa richakunyararirai; nokuti ndinoziva kuti dutu iri guru rakuwirai nokuda kwangu.”