1
Mapisarema 91:2
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
BDSC
Ndichati pamusoro paJehovha, “Ndiye utiziro hwangu nenhare yangu, Mwari wangu, wandinovimba naye.”
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Mapisarema 91:1
Uyo anogara panzvimbo yokuvanda yeWokumusoro-soro achazorora mumumvuri weWamasimba Ose.
3
Mapisarema 91:15
Achadana kwandiri, uye ndichamupindura; ndichava naye pakutambudzika, ndichamurwira uye ndichamukudza.
4
Mapisarema 91:11
Nokuti acharayira vatumwa vake pamusoro pako, kuti vakuchengete panzira dzako dzose
5
Mapisarema 91:4
Achakufukidza neminhenga yake, uye uchawana utiziro pasi pamapapiro ake; kutendeka kwake kuchava nhoo yako norusvingo rwako.
6
Mapisarema 91:9-10
Kana ukaita Wokumusoro-soro ugaro hwako, kunyange Jehovha, iye utiziro hwangu, ipapo hapana chakaipa chichakuwira, hakuna njodzi ichasvika patende rako.
7
Mapisarema 91:3
Zvirokwazvo achakuponesa parugombe rwomuteyi napadenda rinouraya.
8
Mapisarema 91:7
Chiuru chingawa parutivi rwako, zviuru gumi kurudyi pako, asi hazvingaswederi kwauri.
9
Mapisarema 91:5-6
Haungatyiswi nokuvhundutsa kwousiku, kana museve unopfurwa masikati, kana hosha inofamba murima, kana denda rinoparadza masikati.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo