Asi ichi ndochitenderano chandichaita nemba yeIsiraeri mushure memazuva iwayo, ndizvo zvinotaura Tenzi, chokuti:
“Ndichauisa mutemo wangu mavari
ndichiunyora pamwoyo pavo.
Ini ndichava Mwari wavo,
ivo vachivawo vanhu vangu.
Kuchange kusisina zvokudzidzisanazve
mumwe nomumwe, hama nehama,
munhu achiti, ‘Zivawo Tenzi,’
nokuti vose zvavo vachandiziva
kubvira kumuduku-duku
kusvikira kumukuru wacho
ndizvo zviri kutaura Tenzi
nokuti ndichavaregerera uipi hwavo
uye chitadzo chavo
handichazombochirangarirazve.”