1
Isaya 25:1
Bhaibhiri Idzva rechiShona
SCLB
Imi Tenzi, ndimi Mwari wangu, ndinokukudzai ndichirumbidza zita renyu, nokuti makaita zvinhu zvinoshamisa zvamakaronga kare kare zvino kutendeseka kwechokwadi
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Isaya 25:8
Achatsakatisa rufu nokusingaperi, uye Tenzi, Tenzi achapukuta vose musodzi pamatama, uyewo achabvisa kuzvidzwa kwavanhu vake pasi pose, nokuti Tenzi ndiye azvireva.
3
Isaya 25:9
Pazuva iroro vanhu vachati, “Hauwoneka, uyu ndiye Mwari wedu watanga takamirira kuti atinunure. Uyu ndiTenzi, ndiye watanga takamirira, ngatichifarai tichipemberera kutiponesa kwake.”
4
Isaya 25:7
Achaparadza pagomo irori chakaputira marudzi ose, dandadzi rakaputira ndudzi dzose dzavanhu.
5
Isaya 25:6
Pagomo irori, Tenzi wehondo nehondo achaitira ndudzi dzose dzavanhu mabiko ezvakakora, mabiko ewaini isina kana kasese, mabiko ezvakakora zvizere mwongo ewaini yamasese akanyatsosvinwa.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo