YouVersion Logo
Search Icon

Genesi 1

1
Kusikwa kweɀose.
1Pakutaŋga Mŋari wakasika ɗeŋga nenyika. 2Nyika yakaŋga isina-kugadzirwa, isinecinhu; rima rakaŋga riri’po pamsoro pemvura yakadzika; Mŋeya waMŋari wakaŋga acigarira pamsoro pemvura. 3Mŋari akati: Ciedza ŋgaciʋe’po, ciedza cikaʋa’po. 4Mŋari akaʋona ciedza, kuti cakanaka; Mŋari akaparadzanisa ciedza nerima. 5Mŋari akatumidza ciedza, akati Masikati, nerima akaritumidza, akati Æ˛usiku. Maɗeko akaʋa’po, namaŋgwanani akaʋa’po, zuʋa rimŋe.
6Mŋari akati: Nɀimbo ŋgaiʋe’po pakati pemvura, kuti iparadzanise mvura nemvura. 7Mŋari akaita nɀimbo; akaparadzanisa mvura yakaŋga iri pasi penɀimbo, nemvura yakaŋga iri pamsoro penɀimbo; ɀikaita saiɀoɀo. 8Mŋari akatumidza nɀimbo, akati Ƌeŋga. Maɗeko akaʋa’po, namaŋgwanani akaʋa’po, zuʋa repiri.
9Mŋari akati: Mvura iri pasi peɗeŋga ŋgaiʋuŋgane pamŋe cete, kuti pasi pakawoma paʋonekwe; ɀikaita saiɀoɀo. 10Mŋari akatumidza pasi pakawoma, akati Nyika; nemvura yakaʋuŋgana akaitumidza, akati Makuŋgwa; Mŋari akaʋona kuti ɀakanaka. 11Mŋari akati: Nyika ŋgaimerese ʋuswa nemiriʋo inoɓereka mbeu, nemiti inoɓereka micero inamarudzi ayo, mbeu dzayo dziri mukati mayo, panyika; ɀikaita saiɀoɀo. 12Nyika ikameresa ʋuswa, nemiriʋo inoɓereka mbeu dzinamarudzi adzo, nemiti inoɓereka micero, mbeu dzayo dziri mukati mayo, inamarudzi ayo; Mŋari akaʋona kuti ɀakanaka. 13Maɗeko akaʋa’po, namaŋgwanani akaʋa’po, zuʋa retatu.
14Mŋari akati: âąŋiedza ŋgaɀiʋe’po panɀimbo yeɗeŋga, kuti ɀiparadzanise masikati noʋusiku; kuti ɀiʋe ɀiratidzo, nenguʋa, namazuʋa, namakore; 15ŋgaɀiʋe ɀiedza panɀimbo yeɗeŋga, kuti ɀivenekere panyika; ɀikaita saiɀoɀo. 16Mŋari akaita ɀiedza ɀikuru ɀiʋiri; ciedza cikuru kuti ciɓate ʋushe masikati, neciedza ciɗuku, kuti ciɓate ʋushe ʋusiku, nenyeredzi ʋo. 17Mŋari akaɀiisa pasi penɀimbo yeɗeŋga, kuti ɀivenekere panyika, 18ɀiɓate ʋushe masikati noʋusiku, nokuparadzanisa ciedza nerima; Mŋari akaʋona kuti ɀakanaka. 19Maɗeko akaʋa’po, namaŋgwanani akaʋa’po, zuʋa recinna.
20Mŋari akati: Mvura ŋgaizare neɀipenyu ɀizhinji, neshiri dzibururuke pamsoro penyika munɀimbo yeɗeŋga. 21Mŋari akasika mhuka huru dzeguŋgwa, neɀipenyu ɀose ɀinokambaira, iɀo mvura yakaŋga izere naɀo, ɀinamarudzi aɀo, neshiri dzose dzinamapapiro, dzinamarudzi adzo; Mŋari akaʋona kuti ɀakanaka. 22Mŋari akaɀiropafadza, akati: Ƃerekai, muwande, muzadze mvura iri mumakuŋgwa; neshiri ŋgadziwande panyika. 23Maɗeko akaʋa’po, namaŋgwanani akaʋa’po, zuʋa reshanu.
24Mŋari akati: Nyika ŋgaiɓereke ɀipenyu ɀinamarudzi aɀo, neɀipfuwo, neɀinokambaira, nemhuka dzenyika, ɀinamarudzi aɀo; ɀikaita saiɀoɀo. 25Mŋari akaita mhuka dzenyika dzinamarudzi adzo, neɀipfuwo ɀinamarudzi aɀo, neɀinhu ɀose ɀinokambaira panyika ɀinamarudzi aɀo; Mŋari akaʋona kuti ɀakanaka. 26Mŋari akati: Ŋgatiite munhu nomufananidzo weɗu, akafanana nesu; ŋgaaʋe nesimba pamsoro pehoʋe dzeguŋgwa, napamsoro peshiri dzeɗeŋga, napamsoro peɀipfuwo, napamsoro penyika yose, napamsoro peɀipenyu ɀose ɀinokambaira panyika. 27Mŋari akasika munhu nomufananidzo wake, akamusika nomufananidzo waMŋari; akaʋasika murume nomukadzi. 28Mŋari akaʋaropafadza, Mŋari akati kwaʋari: Ƃerekai, muwande, muzadze nyika, muɓate ʋushe pairi; muʋe nesimba pamsoro pehoʋe dzeguŋgwa, napamsoro peshiri dzeɗeŋga, napamsoro peɀipenyu ɀose ɀinokambaira panyika. 29Mŋari akati: Tarirai, ndakakupai miriʋo yose inoɓereka mbeu, iri panyika yose, nemiti yose inemicero yemiti inoɓereka mbeu, kuti ɀiʋe ɀokudya ɀenyu. 30Mhuka dzose dzenyika, neshiri dzose dzeɗeŋga, neɀipenyu ɀose ɀinokambaira panyika, ɀinomŋeya woʋupenyu, ndakaɀipa miriʋo yose minyoro, kuti ɀiʋe ɀokudya ɀaɀo; ɀikaita saiɀoɀo. 31Mŋari akaʋona ɀose ɀaakaita, ʋonei ɀakanaka kwaɀo. Maɗeko akaʋa’po, namaŋgwanani akaʋa’po, zuʋa retanhatu.

Currently Selected:

Genesi 1: SUB1949

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion āļ”āļļāˇš āļ…āļ­āˇŠāļ¯āˇāļšāˇ“āļ¸ āļ´āˇžāļ¯āˇŠāļœāļŊāˇ“āļšāļģāļĢāļē āļšāˇ’āļģāˇ“āļ¸āļ§ āļšāˇ”āļšāˇ“āˇƒāˇŠ āļˇāˇāˇ€āˇ’āļ­āˇ āļšāļģāļēāˇ’. āļ…āļ´āļœāˇš āˇ€āˇ™āļļāˇŠ āļ…āļŠāˇ€āˇ’āļē āļˇāˇāˇ€āˇ’āļ­āˇ āļšāˇ’āļģāˇ“āļ¸ āļ¸āļœāˇ’āļąāˇŠ, āļ…āļ´āļœāˇš āļģāˇ„āˇƒāˇŠâ€āļēāļ­āˇ āļ´āˇŠâ€āļģāļ­āˇ’āļ´āļ­āˇŠāļ­āˇ’āˇ„āˇ’ āˇ€āˇ’āˇƒāˇŠāļ­āļģ āļšāļģ āļ‡āļ­āˇ’ āļ´āļģāˇ’āļ¯āˇ’ āļ…āļ´āļœāˇš āļšāˇ”āļšāˇ“āˇƒāˇŠ āļˇāˇāˇ€āˇ’āļ­āļēāļ§ āļ”āļļ āļ‘āļšāļŸ āˇ€āˇš