1
Mavambo 9:12-13
Bhaibhiri Idzva rechiShona
SCLB
Mwari akati, “Ichi ndicho chiratidzo chechitenderano chandinoita nemi nezvipenyu zvose zvinemi nezvizvarwa zvose zvichauya. Ndamisa muraraungu wangu mumakore kuti uve chiratidzo chechitenderano changu napasi pose.
Bera saman
Njòttu Mavambo 9:12-13
2
Mavambo 9:16
Kana muraraungu wamira mumakore, ndichauona ndigoyeuka chitenderano chokugara nokugara chandaita nezvipenyu zvose zviri panyika.”
Njòttu Mavambo 9:16
3
Mavambo 9:6
Ani naani zvake anodeura ropa romumwe munhu, ropa rakewo rinofanira kutoita zvokudeurwa nomunhu nokuti Mwari akasika munhu akamufananidza naiye pachake.
Njòttu Mavambo 9:6
4
Mavambo 9:1
Mwari akakomborera Nowa navana vake akati, “Berekanai muwande muzadze nyika.
Njòttu Mavambo 9:1
5
Mavambo 9:3
Zvinhu zvipenyu zvose zvinofamba zvichava chokudya chenyu. Ndakupai zvose zvazvo sokukupai kwandakaita miriwo minyoro.
Njòttu Mavambo 9:3
6
Mavambo 9:2
Mhuka dzose dzapasi pose, neshiri dzose dzedenga, nezvose zvinokambaira nokuzvova napasi, nehove dzose dzomugungwa dzichakutyai dzichikudederai. Dzose ndadziisa mumaoko enyu.
Njòttu Mavambo 9:2
7
Mavambo 9:7
“Asi imi berekanai muwande, muite zararira chairo kuzara panyika, murambe muchiwanda mairi.”
Njòttu Mavambo 9:7
Heim
Biblía
Áætlanir
Myndbönd