1
Johani 8:12
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
BDSC
Jesu achitaurazve navanhu, akati, “Ndini chiedza chenyika. Ani naani anonditevera haangatongofambi murima, asi achava nechiedza choupenyu.”
Comparar
Explorar Johani 8:12
2
Johani 8:32
Ipapo muchaziva zvokwadi, uye zvokwadi ichakusunungurai.”
Explorar Johani 8:32
3
Johani 8:31
Jesu akati kuvaJudha vakanga vatenda kwaari, “Kana muchiramba muri mudzidziso yangu, muri vadzidzi vangu zvirokwazvo.
Explorar Johani 8:31
4
Johani 8:36
Saka kana Mwanakomana achikusunungurai, muchava vakasununguka kwazvo.
Explorar Johani 8:36
5
Johani 8:7
Vakati varamba vachimubvunza, akatwasuka akati kwavari, “Kana pane asina chivi pakati penyu, ngaave iye wokutanga kupotsera dombo kwaari.”
Explorar Johani 8:7
6
Johani 8:34
Jesu akapindura akati, “Ndinokuudzai chokwadi kuti, mumwe nomumwe anotadza ndiye muranda wechivi.
Explorar Johani 8:34
7
Johani 8:10-11
Jesu akatwasuka akati kwaari, “Mai, varipiko vaya vanga vachikupomera mhosva? Hapana akutonga here?” Iye akati, “Hapana, Ishe.” Jesu akati, “Neniwo handikupi mhosva. Zvino chienda, uye usiye upenyu hwako hwechivi.”
Explorar Johani 8:10-11