1
Ekisodho 8:18-19
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
BDSC
Asi nʼanga dzakakundikana, padzakaedza nouroyi hwadzo kubudisa umhutu. Nʼanga dzakati kuna Faro, “Uyu munwe waMwari.” Asi mwoyo waFaro wakava mukukutu uye haana kuda kuteerera, sezvakanga zvarehwa naJehovha.
Σύγκριση
Διαβάστε Ekisodho 8:18-19
2
Ekisodho 8:1
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Enda kuna Faro undoti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha: Rega vanhu vangu vaende, kuti vanondinamata.
Διαβάστε Ekisodho 8:1
3
Ekisodho 8:15
Asi Faro akati aona kuti rusununguko rwakanga rwavapo, akaomesa mwoyo wake uye akasada kuteerera Mozisi naAroni, sezvakanga zvarehwa naJehovha.
Διαβάστε Ekisodho 8:15
4
Ekisodho 8:2
Kana ukaramba kuti vaende, ndichatambudza nyika yako yose namatatya.
Διαβάστε Ekisodho 8:2
5
Ekisodho 8:16
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Taurira Aroni uti, ‘Tambanudza tsvimbo yako ugorova guruva revhu,’ uye munyika yose yeIjipiti, guruva richava umhutu.”
Διαβάστε Ekisodho 8:16
6
Ekisodho 8:24
Uye Jehovha akaita izvozvo. Mabute enhunzi akapinda mumuzinda maFaro uye nomudzimba dzamachinda ake, uye muIjipiti yose, nyika yakaparadzwa namabute enhunzi.
Διαβάστε Ekisodho 8:24