لۆگۆی یوڤێرژن
ئایکۆنی گەڕان

Mariko 16

16
Kumuka KwaJesu
(Mateo 28:1-8; Ruka 24:1-12; Johwani 20:1-10)
1Sabata paridopera, Mariya Magadharina, naMariya amai vaJakobho, naSaromi, vadotenga zvinonushira, kuti vaende kozora chitunha chaJesu. 2Mangwanani ngwanani yozuva rokuthanga rosondo vadoenda kuguwa zuva richandobuda. 3Vaibvunzana vachiti, “Mbani achatikungurutsira ibhwe kubva pamuromo woguwa?” 4Pavadonangara vadoona kuti ibhwe ranga riri rikuru ranga rakungurutsihwa uko. 5Pavadopinda muguwa vadoona jaha ridogarikika kurutivi roruji, ridosimira jasi richena, vadobva vashamisika. 6Jaha ridoti kwavari, “Rekai kushamisika, handiti muri kutsvaga Jesu woNazareta wanga adorovehwa? Haapo pano wamuka, onai paanga adoradzikiwa. 7Asi endai moudza vadzidzi vache, naPita, kuti vaende kuGaririya, vachamuwana watova kwakareko sekutaura kwaadoita.”
8Ivo vadochisiwa ndokubirika paguwapo vachitiza, nokuti vadoshamisika zvidonyanya. Havanai kugona kuzviudza munhu nokucha kwanga kwavabata.
Kuzvinangidza kwaJesu kuna Mariya Magadharina
(Mateo 28:9,10; Johwani 20:11-18)
9Zvino Jesu wamuka kuvadopfa mangwanani yomusi wokuthanga kwosondo, adothanga kuzvinangidza kuna Mariya Magadharina uyo waadobiritsa mweya idoipa minomwe. 10Iye adoenda konyepa vaye vanga vanaye, vaiita maundu nokumurira. 11Asi pavadonzva kuti Jesu mupenyu futi kuti iye wanga watomuona, vadozvitendaba.
Jesu Anozvinangidza Kuvadzidzi Vairi
(Ruka 24:13-35)
12Mumasure Jesu adozvinangidza noumwe mutoo kuvairi vavo, pavaienda kumusha. 13Ivo vadodzoka ndokunyepa abiyavo, asi naivova havanai kuvatenda.
Kutumiwa Kukuru
(Mateo 28:16-20; Ruka 24:36-49; Johwani 20:19-23; Mabasa yoNhumwa 1:6-8)
14Pasure Jesu adozvinangidza kuno vanogumi nomubodzi vari pakuja, adovatsiura pamusoro pokusatenda kwavo noukukutu hwomwoyo yavo, nokuti havanai kutenda avo vanga vamuona mumasure mokumuka kwache. 15Adoti kwavari, “Endai munyika yese koparidza Nyaya Idonaka kuzvisikwa zvese. 16Anotenda achiombekewa anoponesewa, asi asingatende achatongewa. 17Zviratidzo izvi zvichatevera vanotenda, vachadzinga mweya idoipa muzita rangu, vachanyaira mitauro mitsva. 18Vachabata nyoka, kana vakamwa nduru inobaya, ichavakuwadzaba, vachaisa maoko yavo pamusoro povanohwara, vahwerevo vopora.”
Jesu Anokwira Kudenga
(Ruka 24:50-53; Mabasa yoNhumwa 1:9-11)
19Ishe Jesu, paadopedza kutaura navo, adotohwa kuenda kudenga, kwaadogara kuruoko raMwari roruji. 20Zvino vadzidzi vadoenda koparidza kwese kwese, Ishe adoshanda navo, achisimbisa shoko rache nozviratidzo zvanga zvichitevera shoko. Ameni.

دیاریکراوەکانی ئێستا:

Mariko 16: KBT

بەرچاوکردن

لەبەرگرتنەوە

بەراوردکردن

هاوبەشی بکە

None

دەتەوێت هایلایتەکانت بپارێزرێت لەناو ئامێرەکانتدا> ? داخڵ ببە