Jona 2
2
Munyengetero waJona
1Kubva mudumbu rehove Jona akanyengetera kuna Jehovha Mwari wake. 2Akati:
“Mudambudziko rangu ndakadana kuna Jehovha,
iye akandipindura.
Kubva mukati meguva ndakadanidzira kuti ndibatsirwe,
uye imi makanzwa kuchema kwangu.
3Makandikandira makadzika,
mumwoyo chaimo megungwa,
uye mvura zhinji ikandikomberedza;
mafungu enyu ose namapopoma enyu ose
zvakapfuura napamusoro pangu.
4Ndakati, ‘Ndaraswa kubva
pamberi penyu,
asi ndichatarirazve ndakaringa
kutemberi yenyu tsvene.’
5Mvura zhinji dzandikomberedza dzikandityisa;
pakadzikadzika pakandikomberedza;
sora regungwa rakamonera musoro wangu.
6Kumidzi yamakomo ndakanyura;
nyika yapasi yakandipfigiramo nokusingaperi.
Asi makaburitsa upenyu hwangu kubva mugomba,
imi Jehovha Mwari wangu.
7“Upenyu hwangu pahwakanga hwotiza,
ndakakurangarirai, imi Jehovha,
uye munyengetero wangu wakauya kwamuri,
kutemberi yenyu tsvene.
8“Vaya vanobatirira kuzvifananidzo zvisina maturo,
vanorasa nyasha dzingadai dziri dzavo.
9Asi ini, norwiyo rwokuvonga,
ndichabayira kwamuri.
Zvandakapika ndichazvizadzisa.
Ruponeso runobva kuna Jehovha.”
10Uye Jehovha akarayira hove, ikandorutsira Jona panyika yakaoma.
موجودہ انتخاب:
Jona 2: BDSC
سرخی
کاپی
موازنہ
شئیر
کیا آپ جاہتے ہیں کہ آپ کی سرکیاں آپ کی devices پر محفوظ ہوں؟ Sign up or sign in
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.®
Mvumo yokushandisa ndima yakapiwa. Kodzero dzose dziripo.
Shona Contemporary Bible
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.®
Used by permission. All rights reserved worldwide.

: