Hosea 6
6
Israeri inoramba kutendeuka
1“Uyai tidzokere kuna Jehovha.
Akatibvambura kutiita zvidimbu zvidimbu,
asi achatiporesa;
akatikuvadza,
asi achasungazve mavanga edu.
2Mushure mamazuva maviri achatimutsiridza;
pazuva rechitatu achatidzorazve,
kuti tirarame pamberi pake.
3Ngatimuzivei iye Jehovha;
ngatishingairirei kumuziva.
Zvirokwazvo sokubuda kwezuva,
achaonekwa;
achauya kwatiri semvura yomuchando,
semvura yebumharutsva inodiridza nyika.”
4“Ndichaiteiko newe, Efuremu?
Ndichaiteiko newe, Judha?
Rudo rwenyu rwakafanana nemhute yamangwanani,
sedova ramangwanani rinopera.
5Naizvozvo ndinokugurai ndichikuitai zvidimbu zvidimbu navaprofita vangu,
ndakakuurayai namashoko omuromo wangu,
kutonga kwangu kwakapenya semheni kwamuri.
6Nokuti ndinoda ngoni, kwete zvibayiro,
nokuziva Mwari kupfuura zvipiriso zvinopiswa.
7SaAdhamu, vakaputsa sungano,
vakanga vasina kutendeka kwandiri ipapo.
8Gireadhi iguta ravarume vakaipa,
rakasvibiswa norunyoro rwetsoka dzeropa.
9Samakororo anovandira munhu,
ndizvo zvinoita boka ravaprista.
Vanouraya vanhu panzira inoenda kuShekemu,
vachipara mhosva dzinonyadzisa.
10Ndakaona chinhu chakaipa kwazvo
muimba yaIsraeri.
Imomo Efuremu anoita ufeve
uye Israeri anosvibiswa.
11“Nokwauriwo iwe, Judha,
kukohwa kwatarwa.
“Pose pandichadzorera maropafadzo avanhu vangu.
موجودہ انتخاب:
Hosea 6: BDSC
سرخی
کاپی
موازنہ
شئیر
کیا آپ جاہتے ہیں کہ آپ کی سرکیاں آپ کی devices پر محفوظ ہوں؟ Sign up or sign in
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.®
Mvumo yokushandisa ndima yakapiwa. Kodzero dzose dziripo.
Shona Contemporary Bible
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.®
Used by permission. All rights reserved worldwide.

: