1
Mateo 5:15-16
KoreKore Bible Translation
KBT
Vanhu havabatidze mwenje vachiuisa pasi potsvanda, asi pachigadziko chomwenje kuti uvhenekere vese vari mumba. Chiedza chenyu mbachivhenekere vanhu kuti vaone buya renyu, vakudze Baba venyu vari kudenga.”
موازنہ
تلاش Mateo 5:15-16
2
Mateo 5:14
Muri chiedza chonyika. Guta riri pagomo rinosvisvikaba.
تلاش Mateo 5:14
3
Mateo 5:8
Vadokomborehwa vadochena pamwoyo, ndava vachaona Mwari.
تلاش Mateo 5:8
4
Mateo 5:6
Vadokomborehwa vanonzara nonyota yokururama, ndava vachagutsiwa.
تلاش Mateo 5:6
5
Mateo 5:44
Asi ndinokunyepai kuti, idai vavengi venyu munamatire vanokutambudzai
تلاش Mateo 5:44
6
Mateo 5:3
“Vadokomborehwa varombo pamweya, ndava umambo hwokudenga ngwavo.
تلاش Mateo 5:3
7
Mateo 5:9
Vadokomborehwa vanoyananisa, ndava vachanzi vana vaMwari.
تلاش Mateo 5:9
8
Mateo 5:4
Vadokomborehwa vanorira, ndava vachanyaradziwa!
تلاش Mateo 5:4
9
Mateo 5:10
“Vadokomborehwa vanotambudzihwa kururama, ndava umambo hwokudenga ngwavo.
تلاش Mateo 5:10
10
Mateo 5:7
Vadokomborehwa vano tsitsi, ndava vachaitihwa tsitsi.
تلاش Mateo 5:7
11
Mateo 5:11-12
Mudokomborehwa vakaremi kana vanhu vachikutukanai vachikutambudzai vachinyaira zvidoipa zvese zvomabwodo pamusoro penyu nondava yangu. Farai nokuita mufaro udonyanya, ndava mubairo wenyu udokuritsa kudenga. Matambudziro yavanoita vanhu vakareva ndomwenze yavadoita kuvaporofiti vadokuthangirai.”
تلاش Mateo 5:11-12
12
Mateo 5:5
Vadokomborehwa vadopfava, ndava vachagara nhaka yonyika.
تلاش Mateo 5:5
13
Mateo 5:13
“Imipa muri mwinyu wonyika, asi kana mwinyu wataya kuvava kwawene kungadzotsehwe tini? Hauchinai kabonyo, saka unotayiwa wotsikiwa novanhu.
تلاش Mateo 5:13
14
Mateo 5:48
Saka munofanira kuva vadokwana, saBaba venyu vokudenga vadokwana.”
تلاش Mateo 5:48
15
Mateo 5:37
Kunyaira kwenyu mbakundova, ‘Inde’ kana ‘Neye’ chese chinopindiridza ipopa chinobva kuno adoipa.”
تلاش Mateo 5:37
16
Mateo 5:38-39
“Mudonzva kuti zvidonzi, ‘Ziso rinotsiviwa noziso, zino nozino.’ Asi ndinoti kwamuri, ‘Rekai kurambidza adoipa. Asi kana umwe akakurova padama rokuruji, muperekere rimwe racho.
تلاش Mateo 5:38-39
17
Mateo 5:29-30
Kana ziso rako roruji richikukonzera kutadza, ritokonore uritaye! Hasa kutaikihwa nochidzu chibodzi panokuti muiri wako wese ukhandiwe mugehena. Kana ruoko rako roruji richikukonzera kutadza, rigwate uritaye. Hasa kusaya chimwe chidzu panokuti muiri wako wese ukhandiwe mugehena.”
تلاش Mateo 5:29-30