1
Maraki 3:10
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
BDSC
Uyai nezvegumi zvose kudura, kuti mumba mangu mugova nezvokudya. Ndiedzei muna izvozvi,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, “muone kana ndisingakuzarurirei mawindo okudenga, uye ndigokudururirai maropafadzo mazhinji zvokuti muchashayiwa pokuaisa.
موازنہ
تلاش Maraki 3:10
2
Maraki 3:11-12
Ndichadzivisa udyi pakuparadza zvirimwa zvenyu, uye mizambiringa yeminda yenyu haingadonhedzi zvibereko zvayo,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Ipapo ndudzi dzose dzichati makaropafadzwa, nokuti nyika yenyu ichava inofadza,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
تلاش Maraki 3:11-12
3
Maraki 3:17-18
“Vachava vangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, “pazuva randichaunganidza pfuma yangu inokosha. Ndichavanzwira tsitsi, somunhu anonzwira tsitsi mwanakomana wake anomushandira. Uye muchaonazve musiyano pakati pavakarurama navakaipa, pakati pavaya vanoshumira Mwari navaya vasingamushumiri.
تلاش Maraki 3:17-18
4
Maraki 3:1
“Tarirai, ndichatuma nhume yangu, uyo achagadzira nzira pamberi pangu. Ipapo Ishe wamunotsvaka, achasvika pakarepo patemberi yake; mutumwa wesungano, wamunoshuva, achauya,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
تلاش Maraki 3:1