1
Ruka 19:10
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
BDSC
Nokuti Mwanakomana woMunhu akauya kuzotsvaka nokuponesa chakarasika.”
موازنہ
تلاش Ruka 19:10
2
Ruka 19:38
“Akaropafadzwa mambo anouya muzita raShe!” “Rugare ngaruve kudenga, nokubwinya kumusoro-soro!”
تلاش Ruka 19:38
3
Ruka 19:9
Jesu akati kwaari, “Nhasi ruponeso rwasvika mumba muno, nokuti murume uyu mwanakomanawo waAbhurahama.
تلاش Ruka 19:9
4
Ruka 19:5-6
Jesu akati asvika panzvimbo iyoyo, akatarisa kumusoro ndokuti kwaari, “Zakeo, buruka nokukurumidza. Ndinofanira kunogara mumba mako nhasi.” Saka akakurumidza kuburuka akamugamuchira nomufaro.
تلاش Ruka 19:5-6
5
Ruka 19:8
Asi Zakeo akasimuka akamira pamberi paShe akati, “Tarirai, Ishe! Pano, uye iye zvino, ndinopa hafu yepfuma yangu kuvarombo, uye kana ndakanyengera ani zvake pachinhu chipi zvacho, ndichadzosera zvava zvina.”
تلاش Ruka 19:8
6
Ruka 19:39-40
Vamwe vaFarisi vakanga vari pakati pavanhu vazhinji vakati kuna Jesu, “Mudzidzisi, tsiurai vadzidzi venyu!” Akapindura akati, “Ndinokuudzai kuti, kana vakanyarara, matombo achadanidzira.”
تلاش Ruka 19:39-40