Zekariya 9
9
Kutongwa kwendudzi dzavanhu
1Chirevo cheshoko raJehovha pamusoro penyika yeHadhiraki, uye paDhamasikosi ndipo parichagara; nokuti ziso raJehovha rinotarira vanhu nendudzi dzose dzaIsiraeri; 2uye Hamatiwo, rakabatana navo; uye Taya neSidhoni, nokuti vakachenjera kwazvo. 3Taya rakazvivakira nhare, rikazviunganidzira sirivha seguruva, nendarama yakaisvonaka samatope ari munzira dzomumusha. 4Tarirai, Jehovha acharikunda, achawisira simba raro mugungwa; richapedzwa nomoto.
5Ashikeroni richazviona, ndokutya; uye Gazawo, rikarwadziwa zvikuru; uye Ekironi, nokuti richanyadziswa pane zvarakatarira; mambo achaparara paEkironi, Ashikeroni haringagarwi navanhu. 6“Mwanakomana woupombwe achagara paAshidhodhi, uye ndichaparadza kuzvikudza kwavaFirisitia.
7“Ndichabvisa ropa mumuromo make, nezvinonyangadza zvake zviri pakati pameno ake; iyewo achasarira Mwari wedu; achava somuchinda paJudha, uye Ekironi somuJebhusi. 8Ndichakomberedza imba yangu nemisasa ndidzivirire hondo, kurege kuva nomunhu anopfuura napo kana kudzoka napo; hakungazovi nomumanikidzi anofamba napo; nokuti zvino ndazviona nameso angu.”
Mambo weZioni noushe hwake hworugare
9Fara kwazvo, iwe mukunda weZioni; pururudza iwe mukunda weJerusaremu; tarira, mambo wako anouya kwauri; ndiye akarurama, ndiye anokunda; anozvininipisa, akatasva mbongoro, iyo mhuru mwana wembongoro. 10“Ndichaparadza ngoro pakati paEfuremu, namabhiza paJerusaremu; uta hwokurwa huchaparadzwa; uchataurira ndudzi dzavanhu rugare; ushe hwake huchabva pagungwa kusvikira kumigumo yenyika.”
11“Kana uriwewo, nokuda kweropa resungano yako, ndakasunungura vasungwa vako mugomba risine mvura.
12“Dzokerai kunhare imi vasungwa vane tariro; iko nhasi ndinokuudzai kuti ndichakupai migove miviri. 13Nokuti ndakazvikungira Judha souta, ndikaisamo Efuremu semiseve; ndichamutsa vanakomana vako, iwe Zioni, varwe navanakomana vako, iwe Girisi; ndichakuita somunondo wemhare.” 14Jehovha achaonekwa pamusoro pavo, museve wake uchabuda semheni; Ishe Jehovha acharidza hwamanda, achafamba nezvamupupuri zvinobva zasi. 15Jehovha wehondo achavadzitira; vachaparadza, vachatsika pasi mabwe echipfuramabwe; vachanwa, vachiita ruzha savanhu vakabatwa newaini; vachazadzwa sembiya, samakona eatari.
16Jehovha Mwari wavo achavaponesa nezuva iro seboka ravanhu vake; nokuti vachafanana namabwe ekorona, anovaima kumusoro kwenyika yake. 17Nokuti kufara kwavo kuchava kukuru sei, nokunaka kwavo kuchava kukuru sei! Zviyo zvichakurisa majaya, waini itsva ichakurisa mhandara.
ที่ได้เลือกล่าสุด:
Zekariya 9: SUB
เน้นข้อความ
คัดลอก
เปรียบเทียบ
แบ่งปัน
ต้องการเน้นข้อความที่บันทึกไว้ตลอดทั้งอุปกรณ์ของคุณหรือไม่? ลงทะเบียน หรือลงชื่อเข้าใช้
Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.

: