1
1 Vakorinde 3:16
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
SCLBC
Handiti munoziva kuti muri Temberi yaMwari here uye kuti Mweya waMwari anogara mamuri?
Linganisha
Chunguza 1 Vakorinde 3:16
2
1 Vakorinde 3:11
Hakuna humwe hwaro hunogona kuvakwa nomunhu kusiya hwakavakwa ihwohwo. Hwaro hwacho ndiJesu Kristu.
Chunguza 1 Vakorinde 3:11
3
1 Vakorinde 3:7
Saka anodyara naanodiridza hapana zvavari asi Mwari ndiye chete anoita kuti zvikure.
Chunguza 1 Vakorinde 3:7
4
1 Vakorinde 3:9
Imi muri munda waMwari, imba yaMwari.
Chunguza 1 Vakorinde 3:9
5
1 Vakorinde 3:13
Basa romumwe nomumwe richaratidzwa pachena zvariri nokuti Zuva iroro richazviburitsa pachena nokuti basa romunhu richaoneswa zvariri nomoto. Moto ndiwo uchaedza basa romunhu nomunhu kuti akariita sei.
Chunguza 1 Vakorinde 3:13
6
1 Vakorinde 3:8
Anodyara naanodiridza vakangoenzana. Mumwe nomumwe wavo achagamuchira mubayiro wake sokushanda kwaakaita nokuti tiri vashandipamwe vaMwari.
Chunguza 1 Vakorinde 3:8
7
1 Vakorinde 3:18
Munhu ngaarege zvake kuzvinyengedza. Kana pano mumwe pakati penyu anozviti ndakachenjera panyika pano ngaatozviita sebenzi zvake kuti ave mungwaru.
Chunguza 1 Vakorinde 3:18
Nyumbani
Biblia
Mipango
Video