Psalm 42:1-4

Senondo inodokwairira hova dzemvura, saizvozvo mweya wangu unodokwairirai, imi Mwari. Mweya wangu une nyota kuna Mwari, nyota yaMwari mupenyu. Ndingaenda riniko kundosangana naMwari? Misodzi yangu yanga iri zvokudya zvangu masikati nousiku, asi zuva rose vanhu vanoti kwandiri, “Mwari wako aripiko?” Ndinorangarira zvinhu izvi pandinodurura mweya wangu, mafambiro andaiita navazhinji ndichitungamirira mudungwe wavanhu kuimba yaMwari, nokupembera nomufaro uye nokuvonga pakati pavazhinji pamutambo.
Mapisarema 42:1-4