Psalms 23:1-4

Jehovha ndiye mufudzi wangu, hapana chandingashayiwa. Anondivatisa pamafuro manyoro, anondisesedza pamvura inozorodza, anoponesa mweya wangu. Anondifambisa panzira dzokururama nokuda kwezita rake. Kunyange ndikafamba nomumupata womumvuri worufu, handingatyi zvakaipa, nokuti imi muneni; tsvimbo yenyu nomudonzvo wenyu zvinondinyaradza.
Mapisarema 23:1-4