Psalms 18:1-7

Ndinokudai, imi Jehovha, simba rangu. Jehovha ndiye dombo rangu, nhare yangu, murwiri wangu; Mwari wangu ndiye dombo rangu, wandinovanda maari. Ndiye nhoo yangu norunyanga rworuponeso rwangu, shongwe yangu. Ndinodana kuna Jehovha, iye akafanira kurumbidzwa, uye ndinoponeswa kubva kuvavengi vangu. Mabote orufu akandipinganidza; mvura zhinji inoparadza yakandifukidza. Mabote eguva akandimonera; misungo yorufu yakanangana neni. Pakutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha; ndakadana kuna Mwari wangu kuti ndibatsirwe. Akanzwa inzwi rangu ari mutemberi yake; kuchema kwangu kwakasvika pamberi pake munzeve dzake. Nyika yakadedera ikadengenyeka, uye nheyo dzamakomo dzakazunguzika
Mapisarema 18:1-7