Psalm 111:1-6

Rumbidzai Jehovha. Ndicharumbidza Jehovha nomwoyo wangu wose, padare ravakarurama nepagungano. Mabasa aJehovha makuru; anorangarirwa navose vanofara maari. Mabasa ake ndeokukudzwa noumambo, uye kururama kwake kunogara nokusingaperi. Akaita kuti zvishamiso zvake zvirangarirwe; Jehovha ane nyasha nengoni. Anopa zvokudya kuna avo vanomutya; anorangarira sungano yake nokusingaperi. Akaratidza vanhu vake simba ramabasa ake, achivapa nyika dzedzimwe ndudzi.
Mapisarema 111:1-6