Psalms 104:24-34

Haiwa Jehovha, mabasa enyu manganiko! Makaaita ose nenjere; nyika izere nezvisikwa zvenyu. Hero gungwa, rakakura uye rakapamhama, rine zvisikwa zvisingagoni kuverengwa, zvipenyu zvikuru nezviduku. Hezvo zvikepe zvinofamba-famba, nengwena, yamakaumba kuti itambemo. Zvose izvi zvinotarira kwamuri kuti muzvipe zvokudya zvazvo nenguva yakafanira. Pamunozvipa, zvinozviunganidza; pamunozarura ruoko rwenyu, izvo zvinogutswa nezvinhu zvakanaka. Pamunovanza chiso chenyu, izvo zvinovhundutswa; pamunozvitorera mweya, izvo zvinofa uye zvinodzokera kuguruva. Pamunotuma Mweya wenyu, izvo zvinosikwa, uye munovandudza chiso chenyika. Kubwinya kwaJehovha ngakugare nokusingaperi; Jehovha ngaafare nebasa rake, iye anotarira nyika, yobva yabvunda, iye anobata makomo obva apwititika utsi. Ndichaimbira Jehovha upenyu hwangu hwose; ndichaimbira Mwari wangu nziyo dzokurumbidza ndichiri mupenyu. Kurangarira kwangu ngakumufadze, pandinofara muna Jehovha.
Mapisarema 104:24-34