Psalm 103:8-13

Jehovha ane tsitsi nenyasha, anononoka kutsamwa, azere norudo. Haangarambi achipomera mhosva, uye haangarambi akatsamwa nokusingaperi; haatiitiri sezvakafanira zvivi zvedu, kana kutipa mubayiro sezvakafanira zvakaipa zvedu. Nokuti sokukwirira kwaakaita kudenga kumusoro kwenyika, ndizvo zvakaita kukura kworudo rwake kuna vanomutya; sokuva kure kwamabvazuva namavirira, saizvozvo akabvisa kudarika kwedu kwatiri. Sokunzwira tsitsi kunoita baba vana vavo, saizvozvo Jehovha ane tsitsi pamusoro pavanomutya
Mapisarema 103:8-13