Proverbs 3:5-12

Vimba naJehovha nomwoyo wako wose urege kuzendamira panjere dzako; munzira dzako dzose umutungamidze, uye acharuramisa nzira dzako. Usazviita munhu akachenjera pamaonero ako; itya Jehovha uvenge zvakaipa. Izvi zvichava utano pamuviri wako uye nokusimbiswa kwamapfupa ako. Kudza Jehovha nepfuma yako, zvokutanga zvezvirimwa zvako; ipapo matura ako achazadzwa kusvikira pakufashukira, uye makate ako achazara kusvika pamusoro newaini itsva. Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaJehovha, uye usatsamwira kutsiura kwake, nokuti Jehovha anoranga avo vaanoda, sababa nomwanakomana wavanofarira.
Zvirevo 3:5-12