Philippians 4:7-8

Uye rugare rwaMwari, runopfuura kunzwisisa kwose, rucharinda mwoyo yenyu nemifungo yenyu muna Kristu Jesu. Pakupedzisira hama, ndinoti kwamuri: fungai pamusoro pezvinhu izvi zvose zvechokwadi, zvose zvinokudzwa, zvose zvakarurama, zvose zvakachena, zvose zvinodikanwa, zvose zvinoyevedza, kana paine chinhu chakaisvonaka kana chinorumbidzwa, fungai pamusoro pezvinhu izvi zvakadai.
VaFiripi 4:7-8