Matthew 6:2-4

“Saka kana mopa kuna vanoshaya, musaridza hwamanda sezvinoitwa navanyengeri mumasinagoge nomumigwagwa kuti vakudzwe navanhu. Ndinokuudzai chokwadi kuti vatowana mubayiro wavo wakazara. Asi kana wopa kuna vanoshaya ruoko rwako rworuboshwe ngarurege kuziva zviri kuitwa noruoko rwako rworudyi, kuitira kuti kupa kwako kuve pakavanda. Ipapo Baba vako, vanoona zvinoitwa pakavanda, vachakupa mubayiro.
Mateo 6:2-4