Luke 18:13-14

“Asi muteresi akamira ari nechokure, asingadi kunyange kutarira kudenga, asi akazvirova chipfuva akati, ‘Mwari, ndinzwirei tsitsi, ini mutadzi.’ “Ndinokuudzai kuti munhu uyu, akadzokera kumba kwake aruramiswa pamberi paMwari kupinda muFarisi. Nokuti mumwe nomumwe anozvikudza achaninipiswa, uye uyo anozvininipisa achakudzwa.”
Ruka 18:13-14