Jeremiah 17:7-10

“Asi akakomborerwa munhu anovimba naJehovha, akaisa chivimbo chake maari. Achafanana nomuti wakasimwa pamvura, unotuma midzi yawo kurukova. Hautyi kana kupisa kuchisvika; mashizha awo anogara ari manyoro. Haufunganyi mugore rokusanaya kwemvura, uye haumboshayiwi zvibereko.” Mwoyo unonyengera kupfuura zvinhu zvose, uye wakaora chose. Ndiani angauziva? “Ini Jehovha ndinonzvera mwoyo uye ndinoedza ndangariro, kuti ndipe munhu zvakaringana namafambiro ake, uye zvakafanira mabasa ake.”
Jeremia 17:7-10