Isaiah 9:1-2

Kunyange zvakadaro, hakuchazovazve nerima kuna avo vakanga vari munhamo. Pamazuva akare akaninipisa nyika yeZebhuruni nenyika yeNafutari, asi panguva inouya achakudza Garirea reveDzimwe Ndudzi, nenzira yokugungwa mhiri kwaJorodhani. Vanhu vaifamba murima vakaona chiedza chikuru; avo vaigara munyika yomumvuri worufu, chiedza chakavavhenekera.
Isaya 9:1-2