“Nokuti ndangariro dzangu hadzizi ndangariro dzenyu,
uye nzira dzenyu hadzizi nzira dzangu,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
“Sokukwirira kwakaita matenga kupfuura nyika,
saizvozvo nzira dzangu dzakakwirira kupinda dzenyu,
nendangariro dzangu kupfuura ndangariro dzenyu.