Isaiah 55:1-7

“Uyai imi mose mune nyota, uyai kumvura zhinji; nemi musina mari, uyai, mutenge uye mudye! Uyai mutenge waini nomukaka pasina mari uye pasina mutengo. Ko, munopedzerei mari pazvinhu zvisati zviri zvokudya, nesimba renyu pazvinhu zvisingagutsi? Teererai, nditeererei mugodya zvakanaka, uye mweya yenyu ichafarira zvakakora zvezvakanaka. Rerekai nzeve yenyu muuye kwandiri; ndinzwei kuti mweya yenyu irarame. Ndichaita sungano isingaperi nemi, iko kutendeka kworudo rwangu rwakavimbiswa kuna Dhavhidhi. Tarirai, ndakamuita chapupu kumarudzi, mutungamiri nomukuru wamarudzi. Zvirokwazvo uchakoka ndudzi dzausina kumboziva, uye ndudzi dzisingakuzive dzichamhanyira kwauri, nokuda kwaJehovha Mwari wako, Mutsvene waIsraeri, nokuti iye akakufukidza nokubwinya.” Tsvakai Jehovha achawanikwa: danai kwaari achiri pedyo. Akashata ngaasiye nzira yake, nomunhu akaipa mirangariro yake. Ngaadzokere kuna Jehovha, uye iye achamunzwira ngoni, nokuna Mwari wedu, nokuti achakanganwirwa zvikuru.
Isaya 55:1-7