Isaiah 29:13-16

Ishe anoti: “Vanhu ava vanoswedera kwandiri nemiromo yavo, uye vanondikudza nemiromo yavo, asi mwoyo yavo iri kure neni. Kundinamata kwavo kwangova kwemitemo inodzidziswa navanhu chete. Naizvozvo ndichashamisa vanhu ava zvakare nechishamiso pamusoro pechishamiso; uchenjeri hwavakachenjera huchaparadzwa, zivo yavane zivo ichapera.” Vane nhamo avo vanosvika kwakadzika dzika kuti vavanzire Jehovha mano avo, vanoita mabasa avo murima vachifunga mumwoyo yavo kuti, “Ndiani anotiona? Ndiani achaziva?” Munoshandura mamiriro ezvinhu, sezvinonzi muumbi wehari anonzi ndiye ivhu! Ko, chakaumbwa chingati kuna iye akachiumba, “Iye haana kundiita?” Ko, hari ingati kumuumbi, “Iye haana chaanoziva?”
Isaya 29:13-16