Hebrews 13:8-13

Jesu Kristu anogara akadaro zuro nanhasi nokusingaperi. Musatorwa nedzidziso dzimwe dzose dzose dzisingazivikanwi. Zvakanaka kuti mwoyo yedu isimbiswe nenyasha, kwete nezvokudya zvemitambo, zvisina kubatsira vaya vakazvidya. Tine aritari isingatenderwi vanoshumira patabhenakeri kuti vadyepo. Muprista mukuru anopinda neropa remhuka muNzvimbo Tsvene-tsvene sechipiriso chechivi, asi mitumbi yacho inopisirwa kunze kwomusasa. Uye naizvozvo Jesu akatambudzikawo ari kunze kwesuo reguta kuti aite kuti vanhu vave vatsvene kubudikidza neropa rake. Naizvozvo, ngatiendei kwaari kunze kwomusasa, titakure kunyadziswa kwake.
VaHebheru 13:8-13