Ngatibatisisei tariro yatinopupura, tisingazungunuswi, nokuti iye akapikira akatendeka. Uye ngatirangarirei kuti tingakurudzirana sei kuti tive norudo namabasa akanaka. Tisarega kuungana sezvinoita vamwe, asi tikurudzirane, zvikuru sei sezvamunoona kuti Zuva roswedera.