Ephesians 1:7-14

Iye watine dzikunuro maari kubudikidza neropa rake, iko kuregererwa kwezvivi, zviri maererano nokupfuma kwenyasha dzaMwari dzaakawanza pamusoro pedu nouchenjeri hwose uye nokunzwisisa kwose. Uye akazivisa kwatiri chakavanzika chokuda kwake, maererano nomufaro wake wakanaka, waakafunga muna Kristu, kuti chiitwe pakukwana kwenguva, auyise pamwe chete zvinhu zvose zviri kudenga nezviri panyika pasi pomusoro mumwe, anova Kristu. Iye watakasarudzwawo maari, tarongerwa kare nhaka maererano nokuronga kwaiye anoita zvose mukusimbisa vavariro yokuda kwake, kuitira kuti isu, vakatanga kuva netariro muna Kristu, tive rumbidzo yokubwinya kwake. Nemi makaiswawo muna Kristu pamakanzwa shoko rechokwadi, iro vhangeri rokuponeswa kwenyu. Makati matenda, makaiswa rupau maari nechisimbiso, icho chivimbiso choMweya Mutsvene, anova ndiye rubatso runotitsidzira nhaka yedu kusvikira rudzikinuro rwaavo vari vaMwari chaivo rwaratidzwa, kuti kubwinya kwake kurumbidzwe.
VaEfeso 1:7-14