Ecclesiastes 11:4-6

Ani naani anotarira mhepo haangadyari; ani naani anotarira makore haangakohwi. Sezvo usingazivi nzira yemhepo, kana magadzirirwo omuviri mudumbu ramai, saizvozvowo haunganzwisisi basa raMwari, Muiti wezvose. Kusha mbeu dzako mangwanani, uye madekwana urege kugarira maoko ako, nokuti hauzivi kuti chichabudirira ndechipi, chingava ichi kana icho, kana kuti zvose zviri zviviri zvichafanana pakunaka.
Muparidzi 11:4-6