Colossians 1:16-18

Nokuti zvinhu zvose zvakasikwa naye: zviri kudenga nezviri panyika, zvinoonekwa nezvisingaonekwi, zvigaro zvoushe kana masimba kana vatongi kana vane simba; zvinhu zvose zvakasikwa naye uye zvakasikirwa iye. Iye anotangira zvose, uye zvinhu zvose zvinobatana maari. Ndiye musoro womuviri, iyo kereke; ndiye wokutanga uye ndiye dangwe ravakamuka kubva kuvakafa, kuitira kuti pazvinhu zvose iye ave mukuru.
VaKorose 1:16-18